NYORESAI VAFUDZI VEMOMBE KUMAPURISA

SHARE:

 






MUKURWISA kubiwa kwemombe, varimi nevachenegeti vazvipfuyo vanokurudzirwa kuti vasati vatora vashandi vebasa ngavashanyire mapurisa vabetserwe.

Muongororo dzakaitwa nebazi reZimbabwe Republic Police, dzimwe mhosva dzakawanda dzekubiwa kwemombe dziri kuparwa nevanhu vanosiiwa vakachengeta dzimba kana vanoenda kumafuro nemombe.

Vachitaura pagungano rekukurudzirwa kuchengetwa kwemombe kuGwaseche pamba paMambo Chilonga kuChiredzi, Officer Commanding Chiredzi District, Chief Superintendent Robert Chihwereva, vakati mushandi wega wega anofanira kuongororwa.

“Imwe yeongororo yakaitwa zvakaonekwa kuti pamwe pacho vashandi ndivo varikuba.
 
Tiri kuti mushandi ngaavhetwe kumapurisa kuti haasi mupari wemhosva here sezvo vamwe vachiuya sevanhu kwavo idzo dziri mbavha. Chenjererai.

“Kubva mwedzi waChivabvu muna 2022 kusvika munaKubvumbi 2023 kwakaparwa mhosva mazana matatu nemakumi matatanhatu (360).Tozoti pagore redu repiri kubva mwedzi waChivabvu muna 2023 kusvika muna Kubvumbi 2024 kwakaparwa mhosva mazana matatu nemakumi mana anenomwe (347) zvinotipa mutsauko wekudzika wemhosva gumi nenomwe, kureva zvikamu zvina kubva muzana. 

Tikatarira kubva pane mhosva dzakaparwa mugore redu rino, tichaona kuti kwakasungwa vasungwa makumi matanhatu nevana (64 ).”

Chief Sup Chihwereva vakakurudzira varimi kuti vagadzire mapoka ekurwisa mhosva dzekubiwa kwezvipfuwo anonzi Anti-Stock Theft Committees. Mapoka aya anoita kuti zvireruke kuvarimi kuti vasarambe vachirasikirwa nemombe dzavo.

“Sezvo mapurisa asiri pesepese, tikava
nemapoka aya muraini regarega vanotibetsera seziso remapurisa kuita kuti kubiwa kwezvipfuyo nekuparwa kwedzimwe mhosva kudzivirirwe.

https://www.facebook.com/share/p/V73FharNfG6dVEWn/?mibextid=oFDknk
https://chat.whatsapp.com/IA9Pwo0F4AQGsCUuGw8pPG

COMMENTS

Name

News,2,Tips,2,
ltr
item
Crime Focus Zimbabwe : NYORESAI VAFUDZI VEMOMBE KUMAPURISA
NYORESAI VAFUDZI VEMOMBE KUMAPURISA
https://blogger.googleusercontent.com/img/b/R29vZ2xl/AVvXsEg8d-ls0gdzD6kyrl1LFwAvwG2i0VqBxnaNx7eICqe2r9xsnbxIG588IFCb5WhqfD52tB1GwEgl1TDKFqin4q3cDyxy82ZtQUoSd8fvu-sn5iQeLiivPuUjKyqIj_qL3fHJmIbbuV_fPV2ZSClbVU_CwWKIv7H-gOKIqecY66pI1qTMHscESjPWPHJUNr4F/w640-h426/download%20(1).jpeg
https://blogger.googleusercontent.com/img/b/R29vZ2xl/AVvXsEg8d-ls0gdzD6kyrl1LFwAvwG2i0VqBxnaNx7eICqe2r9xsnbxIG588IFCb5WhqfD52tB1GwEgl1TDKFqin4q3cDyxy82ZtQUoSd8fvu-sn5iQeLiivPuUjKyqIj_qL3fHJmIbbuV_fPV2ZSClbVU_CwWKIv7H-gOKIqecY66pI1qTMHscESjPWPHJUNr4F/s72-w640-c-h426/download%20(1).jpeg
Crime Focus Zimbabwe
https://www.crimefocus.co.zw/2024/05/nyoresai-vafudzi-vemombe-kumapurisa.html
https://www.crimefocus.co.zw/
https://www.crimefocus.co.zw/
https://www.crimefocus.co.zw/2024/05/nyoresai-vafudzi-vemombe-kumapurisa.html
true
5256567720147600546
UTF-8
Loaded All Posts Not found any posts VIEW ALL Readmore Reply Cancel reply Delete By Home PAGES POSTS View All RECOMMENDED FOR YOU LABEL ARCHIVE SEARCH ALL POSTS Not found any post match with your request Back Home Sunday Monday Tuesday Wednesday Thursday Friday Saturday Sun Mon Tue Wed Thu Fri Sat January February March April May June July August September October November December Jan Feb Mar Apr May Jun Jul Aug Sep Oct Nov Dec just now 1 minute ago $$1$$ minutes ago 1 hour ago $$1$$ hours ago Yesterday $$1$$ days ago $$1$$ weeks ago more than 5 weeks ago Followers Follow THIS PREMIUM CONTENT IS LOCKED STEP 1: Share to a social network STEP 2: Click the link on your social network Copy All Code Select All Code All codes were copied to your clipboard Can not copy the codes / texts, please press [CTRL]+[C] (or CMD+C with Mac) to copy Table of Content