ZVINODA TOSE KUSHANDA PAMWECHETE KUTI VANORARAMA NEHURWERE HWEPFUNGWA VASAPARE MHOSVA

SHARE:

 NA DICKSON CHITAKE (DEX)


Mhosva dzine chekuita nevanhu vanorarama nechirwere chepfungwa dziri kuramba dzichiwanda.

Kugarisana zvakanaka ne avo vanorarama ne mental illness kunobatsira kuderedza njodzi mumusha.

Vatorei sevanhu.

Vanhuwo vanekodzero dzavo dzinoda kuremekedzwa.

Vapeiwo zvokudya zvakangofanana nezvinopiwa vamwe vese pamba.

Vapeiwo zvokupfeka nezvokufuga zvakanaka.

Musavashoora, kuvazvidza, kuvanyeya, kuvatuka, nekuvapomera mhosva dzavasina kupara. Zvimwe zvavanoudzwa nekunzwa zvinovarwadza vobva vaviruka nehasha dzinozoshaya anogona kudzimura.

Mashoko akafanana nekutuka maringe nekudya kwavo, kushanda, mafambire, mataurire kana chimiro chavo anorwadza  nekutsamwisa.

Vanotsamwawo sezvinoitawo munhu wese, vakatsamwa ndipo pavanozopara mhosva sekuponda, kupisa musha nemoto, kuparadza midziyo, kana kurova zvakanyanya, kuzviuraya kana kuita mhirizhonga.

Musavatuka nehurwere hwavo, chirwere chakadai chinongouya kunani zvake, zvisinei nekuti wachida here kana kuti hauna, unemhosva yawapara here kana hauna.

Musava sarure, kuramba kuwadzana navo, kana kuramba ku govana zvimwe zvinu navo, fambidzanai navo kana vasarudza kuenda wo ku church, kuma bira kunhamo, kuma Community events se echenjedzo pane zve drug abuse, kumakuwerere e bhora kana kupi zvako kungaendwa.

Vatendereiwo kuva neutsanana, vabvumidzei kutora mishonga yavo nenguva, kugeza ne kupfeka mbatya dzakachena, kukwesha mazino, kugerwa kana kugadzirwa bvudzi, kwete kuvasarura nekuvatiza kana kuvasiya vari voga pamusha.

Musavambunyikidza - kuita zvavasingade, kana kuvatuma mabasa anorwadza, kuvamanikidza kuita zvine njodzi sekushanda nemidziyo yemagetsi, kupinda mumvura inonyudza kana inokukura, kushanda nemoto, kana neimwe midziyo ine njodzi atingati ma _dangerous weapons_  sematemo, mabhemba kana mapanga, etc.

Musavabata chibharo kana kuenda navo pabonde , vamwe vanotovadheerera zvekuvapa nhumbu ivo vaine hurwere hwakadai, kuvapa zvirwere zvepa bonde ma STIs. Kuenda pabonde nevanhu vakadai hakurape zvirwere zvingava zvipi zvazvo se gomarara, HIV huye hakuwedzere mari kana kupfumisa. Zvinosungisa nekugara mujere makore anopfuura gumi nemashanu.

Vamirireiwo parubatsiro rwavanofanira kuwana munharaunda, sema inputs ekuminda, ma projects ekuchengeta huku vachiitawo mari kana rumwe rubatsiro rwavangade sekuti vawane mishonga, zvidzidzo kana rubatsiro rwevanorarama nehurwere ruchinge rwauya, etc.

Musavapomere mhosva dzavasina kupara - vanhuwo vanotofunga, vanonzwa, vanoona; hurwere chete hwavainahwo hungangova naniwo zvake asi pamwe chiyero ndicho chinemge chakasiyana.

Vanhu vakadai vapei wo chenjedzo dzakafai sekuipa kwe drug abuse. Muvatarisisei kuti varege kutora zvinodhaka uye kuvarangaridza kuti vetevedzere matorerwe emishonga yavo yavanenge vapiwa nanamukoti kana vana chiremba.

Vaperekedzei kuzvipatara, ivai navo musavasiye pamba vasina mutariri. We are brothers keepers. 

Kana vanhu ava vachinge vaita dambudziko zvichida imhirizhonga, kupara mhosva, kana kuto maona kuti hamuchina rugare navo, imi vacho musaisa mutemo mumaoko enyu, zivisai mapurisa kana vehutano vaendeswe kuzvipatara zvinoona nezvevanhu vane chirwere chakadaro (rehabilitation centers).

Zvinoda kuti tese tigamuchire kuti dambudziko rakadai ririko, toshanda pamwechete kuripedza kana kuita management yaro.

*Crime Focus +263713 889 894 

*Together we can fight crime*

*Crime Prevention is a Community Commitment*

*_____dex____*

COMMENTS

Name

News,2,Tips,2,
ltr
item
Crime Focus Zimbabwe : ZVINODA TOSE KUSHANDA PAMWECHETE KUTI VANORARAMA NEHURWERE HWEPFUNGWA VASAPARE MHOSVA
ZVINODA TOSE KUSHANDA PAMWECHETE KUTI VANORARAMA NEHURWERE HWEPFUNGWA VASAPARE MHOSVA
https://blogger.googleusercontent.com/img/b/R29vZ2xl/AVvXsEi2Tnd4m8cQiiDvdZ25ed4g2UTC2JRT8FoM91pt-qpsVzYxVsUsi_2zmKMswEhQUZ66-I9K4xoFu1_2C1DtwmIIN3e8JNhHi5PjD4gYowPVl6G4VyzrCpcj3oYehCgDlh2Vf6hfdY-GhMGywvFolobf0DzBGnQRKP0ufDs6XRvhBp3mTuihALxshaLLY_ub/s16000/Crime%20Focus%2004%2020240501_190800.jpg
https://blogger.googleusercontent.com/img/b/R29vZ2xl/AVvXsEi2Tnd4m8cQiiDvdZ25ed4g2UTC2JRT8FoM91pt-qpsVzYxVsUsi_2zmKMswEhQUZ66-I9K4xoFu1_2C1DtwmIIN3e8JNhHi5PjD4gYowPVl6G4VyzrCpcj3oYehCgDlh2Vf6hfdY-GhMGywvFolobf0DzBGnQRKP0ufDs6XRvhBp3mTuihALxshaLLY_ub/s72-c/Crime%20Focus%2004%2020240501_190800.jpg
Crime Focus Zimbabwe
https://www.crimefocus.co.zw/2024/09/zvinoda-tose-kushanda-pamwechete-kuti.html
https://www.crimefocus.co.zw/
https://www.crimefocus.co.zw/
https://www.crimefocus.co.zw/2024/09/zvinoda-tose-kushanda-pamwechete-kuti.html
true
5256567720147600546
UTF-8
Loaded All Posts Not found any posts VIEW ALL Readmore Reply Cancel reply Delete By Home PAGES POSTS View All RECOMMENDED FOR YOU LABEL ARCHIVE SEARCH ALL POSTS Not found any post match with your request Back Home Sunday Monday Tuesday Wednesday Thursday Friday Saturday Sun Mon Tue Wed Thu Fri Sat January February March April May June July August September October November December Jan Feb Mar Apr May Jun Jul Aug Sep Oct Nov Dec just now 1 minute ago $$1$$ minutes ago 1 hour ago $$1$$ hours ago Yesterday $$1$$ days ago $$1$$ weeks ago more than 5 weeks ago Followers Follow THIS PREMIUM CONTENT IS LOCKED STEP 1: Share to a social network STEP 2: Click the link on your social network Copy All Code Select All Code All codes were copied to your clipboard Can not copy the codes / texts, please press [CTRL]+[C] (or CMD+C with Mac) to copy Table of Content